Numbers 33

Zvinhanho zvoRwendo rwavaIsraeri

1Hezvino zvinhanho zvorwendo rwavaIsraeri pavakabuda muIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMozisi naAroni. 2Mozisi akanyora zvinhanho zvorwendo rwavo. Urwu ndirwo rwendo rwavo nezvinhanho zvarwo:

3VaIsraeri vakasimuka kubva paRamesesi nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga, zuva rakatevera Pasika. Vakafamba vakabuda vasingatyi pamberi pavaIjipita vose, 4avo vakanga vachiviga matangwe avo ose, akanga aurayiwa naJehovha pakati pavo; nokuti Jehovha akanga atonga vamwari vavo.
5VaIsraeri vakabva paRamesesi vakandodzika misasa yavo paSukoti.
6Vakabva paSukoti vakandodzika misasa yavo paEtamu, mujinga megwenga.
7Vakabva paEtamu, vakadzokera shure kuPi Hahiroti, nechokumabvazuva kweBhaari Zefoni, vakandodzika misasa yavo pedyo neMigidhori.
8Vakabva paPi Hahiroti vakapinda nomugungwa vakaenda murenje, uye vakati vafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakadzika misasa paMara.
9Vakabva paMara vakaenda kuErimu, pakanga pane matsime gumi namaviri nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo.
10Vakabva paErimu vakandodzika misasa paGungwa Dzvuku.
11Vakabva paGungwa Dzvuku vakandodzika misasa muGwenga reSini.
12Vakabva muGwenga reSini vakandodzika misasa paDhofika.
13Vakabva paDhofika vakandodzika misasa paArushi.
14Vakabva paArushi vakandodzika misasa paRefidhimu, apo pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe.
15Vakabva paRefidhimu vakandodzika misasa muGwenga reSinai.
16Vakabva muGwenga reSinai vakandodzika misasa paKibhuroti Hataavha.
17Vakabva paKibhuroti Hataavha vakandodzika misasa paHazeroti.
18Vakabva paHazeroti vakandodzika misasa paRitima.
19Vakabva paRitima vakandodzika misasa paRimoni Perezi.
20Vakabva paRimoni Perezi vakandodzika misasa paRibhina.
21Vakabva paRibhina vakandodzika misasa paRisa.
22Vakabva paRisa vakandodzika misasa paKeherata.
23Vakabva paKeherata vakandodzika misasa paGomo reSheferi.
24Vakabva paGomo reSheferi vakandodzika misasa paHaradha.
25Vakabva paHaradha vakandodzika misasa paMakeroti.
26Vakabva paMakeroti vakandodzika misasa paTahati.
27Vakabva paTahati vakandodzika misasa paTera.
28Vakabva paTera vakandodzika misasa paMitika.
29Vakabva paMitika vakandodzika misasa paHashimona.
30Vakabva paHashimona vakandodzika misasa paMoseroti.
31Vakabva paMoseroti vakandodzika misasa paBhene Jaakani.
32Vakabva paBhene Jaakani vakandodzika misasa paHori Hagidhigadhi.
33Vakabva paHori Hagidhigadhi vakandodzika misasa paJotibhata.
34Vakabva paJotibhata vakandodzika misasa paAbhurona.
35Vakabva paAbhurona vakandodzika misasa paEzioni Gebheri.
36Vakabva paEzioni Gebheri vakandodzika misasa paKadheshi, murenje reZini.
37Vakabva paKadheshi vakandodzika misasa paGomo reHori, kumuganhu weEdhomu. 38Aroni muprista akakwira muGomo reHori sezvakarayirwa naJehovha, akandofira imomo pazuva rokutanga romwedzi wechishanu wegore ramakumi mana shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti. 39Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake paGomo reHori.
40Mambo weAradhi muKenani, aigara kuNegevhi kweKenani, akanzwa kuti vaIsraeri vari kuuya.
41Vakabva kuGomo reHori vakandodzika misasa paZarimona.
42Vakabva paZarimona vakandodzika misasa paPunoni.
43Vakabva paPunoni vakandodzika misasa paObhoti.
44Vakabva paObhoti vakandodzika misasa paIye Abharimi, pamuganhu weMoabhu.
45Vakabva paIyimi vakandodzika misasa paDhibhoni Gadhi.
46Vakabva paDhibhoni Gadhi vakandodzika misasa paArimoni Dhibhurataimi.
47Vakabva paArimoni Dhibhurataimi vakandodzika misasa mumakomo eAbharimi, pedyo neNebho.
48Vakabva pamakomo eAbharimi vakandodzika misasa pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko. 49Pamapani eMoabhu ipapo vakadzika misasa vakatevedza Jorodhani kubva kuBheti Jeshimoti kusvikira kuAbheri Shitimu.

50Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi, 51“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mayambuka Jorodhani mapinda muKenani, 52mudzinge vose vanogara munyika imomo pamberi penyu. Muparadze zvifananidzo zvavo zvose zvakavezwa nezvifananidzo zvavo zvakaumbwa, uye muputse nzvimbo dzose dzakakwirira. 53Mutore nyika iyo mugaremo, nokuti ndakupai nyika iyi kuti ive yenyu. 54Mugovere nyika nomujenya, maererano nemhuri dzenyu. Mupe vakawanda nhaka huru, uye vashoma muvapewo nhaka duku. Zvose zvichawira kwavari nomujenya zvinofanira kuva zvavo. Muigove zviri maererano namarudzi amadzitateguru enyu.

55“ ‘Asi kana mukasadzinga vagere munyika iyi, vamunotendera kusara ivavo vachava rukato pamberi penyu neminzwa pamativi enyu. Vachakutambudzai munyika mamugere. 56Ipapo ndichakuitirai imi zvandakaronga kuvaitira ivo.’ ”

Copyright information for SnaBDSC